Exodus 35

Mirayiro yeSabata

1Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite: 2Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa. 3Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”

Zvinhu zvomuTabhenakeri

4Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: 5Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso:

“chegoridhe, sirivha uye nendarira;
6wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka;
mvere dzembudzi;
7matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa;
matanda omuunga;
8mafuta omuorivhi emwenje;
zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;
9mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.

10“Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:

11“tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;
13tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;
14chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo;
chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;
mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”

20Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi, 21uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene. 22Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. 23Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo. 24Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo. 25Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka. 26Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi. 27Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. 28Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo. 29VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.

Bhezareri naOhoriabhu

30Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, 31uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha, 32kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira, 33kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha. 34Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe. 35Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”

Copyright information for SnaBDSC